Ko sei uchingoita weshure?
Ko sei uchizvitarisira pasi?
Ko nendava yei uchizvibata uyanga kudaro?
Nyatsotsanangura mudikani.
Unorangarira here paya?
Paya pandakakuwanikidza,
kukuwanikidza wozvibvisa mberi wozvikanda shure.
Uchayeuka here musi uya?
Musi uya wawaingoropodza nokumhiza-mhiza maoko,
uchizvishoropodza pamwechete nokuzvinyomba.
Uchatondera here?
hwakumukwaku yawakazvipinza gore riya.
Hezvo nhasi igumi nefarira matambudziko.
Pakanzi hewo mukana,batanawo nezvizvi zviri nane,
iwe tana kuramba,ichochi ndochangu chipo.
Kudoti siyana naye kani idawo anokuda,
gotsi papata,ndopakaperera wangu moyo.
Chokwadi mabatiro aunozviita anodzoka ondidya moyo.
Nzwisisa mwana wokubereka,
kuti upenyu idambakamwe.
Nzwisisa weukama,
kuti isu tiri vemberi,kwete weshure.
Nzwisisa mudikani,
kuti kwako kukosha kunopfuura sirivheri nendarama.
Usazvibata uyanga ndapota.
Na Robert T Nyamushosho