Ko nhai chii chinonzi rudo?
Kamhuka here kana kuti munhu,
mweya here kana kuti manzwira?
Hamawe-e nyatsondinyeurirai
Munoreva here kuti rudo kuda,
Munoreva here kuti rudo kuda,
kuda neakakuvenga.
Kana
kuti kusadzorera,
paunoitemwa ganyamuto inodzipura neganda.
Nyatsotsanangurai
kani vadikani.
Muneshuwa here kuti rudo,kutsungirira.
Kuramba akagonya,
nepaanochiunzirwa chati kuurayisa
vana vevanhu ,
kuri kugarira vana.
Nyatsobudai pachena kani vakuruwe-e.
Mareva here kuti rudo kuva nemurefu moyo,
Hezvo mutema zvose nomuchena hapana kana musiyano.
moyo
wakareba zvisingagumi.
Mati imi kuva nehanya,
hanya nedzisingasaruri ani zvake.
Nyatsodonongorai kani, ko kudimikira
ndekwei?
Mati imi rudo kuda, kuda neasingakudi.
Zvoreva kuti
ndopa rwangu rudo neanoruputsira pasi,
kurubvarura-bvarura kuita kanyama.
Ndizvo here kuti ndoda neanotamba newangu moyo.
Aiwa kani ko kurova
makaviga mupini ndokunei?
Hezvo motokohomekedza nhasi moti,
rudo kuda neakakurasisa kukusiya wega,
ndiye sone-e neivo vezviuno zvego.
Napamusana
porudo nhasi monditi gamuchira,
gamuchira
namaviri kunyamwe angove mapfupa ozvifambira.
Nyatsojekesai
kani vakuruwe-e,
hamuoni here kuti
ndichiri chadzimira?
NaRobert.T.Nyamushosho
.