Rwaiwe rufaro ndichikutarisa
Uri pedyo wangu moyo
waiteramira
Ndaigadzikana pasina chekumhanyira
Kana kusiwa ndaisakutyira
Kwauri wangu moyo
wakaperera.
Ndakuwana, ndakati ndaona mai wanondirera
Hezvo nhasi ndoyaura
Chaindida chondisemachose
Rudo rwuya rwaibhebha rwati tototo
Chokwadi rwedu rudo rwaive moto wemapepa
Rwakaririma pakutanga zvino dzave ngano
Ndaiziwei kuti mufaro
mwena
Wangu mufaro rwaiwe iwe
Waenda newangu moyo
Wandisiya ndawe nherera
Ndisisina anorera
Asi pazvose waenda newangu moyo
Ndangosara ndave demhe
Ndingawei pasina rwako rudo
Washinga kundisiya here rudo
Zvawangu moyo watora ndorarama seiko
Dzoka hwangu upenyu huwe netariro
Ndodii waenda newangu moyo