Powered By Blogger

Friday, 14 October 2011

Waenda newangu moyo

Rwaiwe rufaro ndichikutarisa

Uri pedyo wangu moyo  waiteramira

Ndaigadzikana pasina chekumhanyira
Kana kusiwa ndaisakutyira

Kwauri  wangu moyo wakaperera.

Ndakuwana, ndakati ndaona mai wanondirera
Hezvo nhasi ndoyaura

Chaindida chondisemachose

Rudo rwuya rwaibhebha rwati tototo

Chokwadi rwedu rudo rwaive moto wemapepa

Rwakaririma pakutanga zvino dzave ngano

Ndaiziwei kuti  mufaro mwena

Wangu mufaro rwaiwe iwe

Waenda newangu moyo 

Wandisiya ndawe nherera

Ndisisina anorera 

Asi pazvose waenda newangu moyo

Ndangosara ndave demhe

Ndingawei pasina rwako rudo

Washinga kundisiya here rudo 

Zvawangu moyo watora ndorarama seiko 

Dzoka hwangu upenyu huwe netariro

Ndodii waenda newangu moyo 


Na Irvine Gwete